Pandakasvika kuTiroasi kundoparidza Shoko Rakanaka raKristu, ndakazarurirwa musuo muna Tenzi asi ndakanga ndisina zororo mumwoyo nokuti handina kuwana hama yangu Titosi ikoko. Saka ndakavaoneka ndikaenda kuMasedhonia. Mwari ngaatendwe anoita kuti, muna Kristu tikurire nguva dzose uye nematiri anoparadzira kose vose kunhuwirira kwokuzivikanwa kwake. Iyesu ndisu kunhuwirira kwaKristu kuna Mwari pakati pavari kuponeswa napakati pavari kuparadzwa. Kune vamwewo, munhuwi unouraya, kune vamwewo munhuwi unopa upenyu. Ndiani angakwanisane nazvo izvi? Hatina kufanana navamwe vanoita shawo neShoko raMwari, asi tinoita savanhu vakatumwa vanotendeka pamberi paMwari tichitaura muna Kristu.
Verenga chikamu 2 Vakorinde 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Vakorinde 2:12-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo