Ini ndakafunga pachangu kuti handifaniri kukushanyirai zvingaite kuti imi musuwe nokuti ndikakurwadzisai ndiani achaita kuti ndifare, kusiya iyeyo mumwecheteyo wandinenge ndasuwisa. Kunyora kwandakaita ndakakunyorerai kuti kana ndauya ndirege kurwadziswa navanhu vanofanira kuti vaite kuti ndifare. Ndinonyatsoziva kuti kana ini ndichifara nemiwo mose munofara. Ndakakunyorerai ndakasuwa kwazvo ndichirwadziwa mumwoyo uye ndiine misodzi padama, kwete kuti ndikurwadzisei, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinarwo nemi. Kana pane akarwadzisa vamwe mwoyo handisini waakarwadzisa. Neimwe nzira, tisingadi zvedu kumuomesera, tingangoti akakurwadzisai mose. Kumunhu akadai shamhu yamakamupa imi voruzhinji yakakwana zvokuti dai machimuregerera zvenyu muchimunyaradza nokuti angadaro akasvika pakunyanyoodzwa mwoyo nokusuruvara kukuru. Saka ndinokukumbirai kuti munyatsomuratidza kuti munomuda. Ndokusaka ndakanyora kuti ndione ndingozivawo kuti imi munoteerera here muna zvose. Ani zvake wamunoregerera, ndinomuregererawo. Kuregerera ikoko dai kuri kuti pane chandinofanira kuregerera ndakazviita pamusana penyu pamberi paKristu. kuti tirege kudyiwa munyati naSatani nokuti tinoziva dzaanotamba.
Verenga chikamu 2 Vakorinde 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Vakorinde 2:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo