Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 4:1-11

1 Samueri 4:1-11 SCLB

VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vaFirisitia akanga vadzika matendhe avo kuAfeki. Ivo vakandodzika matendhe avo kuEbhenezeru. VaFirisitia vakarongana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Pavakanga vavakurwisana vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia. VaFirisitia vakauraya vaIsiraeri vaikwana zviuru zvina mukurwisana kwavakaita. Pakadzokera varwi kumatendhe, vakuru vakuru vavaIsiraeri vakati, “Ko seiko Tenzi atikundisa navaFirisitia nhasi? Ngatiendei tindotora Bhokisi raTenzi reChitenderano kubva kuShiro kuti rive pakati pedu Tenzi atinunure mumaoko avavengi vedu.” Kwakatumwa vanhu kuShiro kundotora Bhokisi reChitenderano raTenzi Samasimbaose ane chigaro chake pakati pamaKerubhu. Uyewo vanakomana vaEri, Hofini naFinehasi vaiveko vaine Bhokisi reChitenderano raMwari iroro. Pakasvika Bhokisi reChitenderano raTenzi mumatendhe, vaIsiraeri vose vakadaidzira nezwi guru zvokuti pasi pakandengendeka. VaFirisitia pavakanzwa ruzha rwokuzhamba ikoko vakati, “Ruzha rukuru mumatendhe ava Hebheru ndorwei?” Pavakanzwa kuti Bhokisi raTenzi raunzwa kumatendhe, vaFirisitia vakatya, zvokuti vakati, “Kune mumwe mwari uku auya mumatendhe.” Vakati, “Pedu papera! Hatisati tamboona zvakadai. Pedu patiperera! Ndiani angatinunura mumaoko avamwari vakasimba vakadai? Ndivo vamwari vaya vakarova vaIjipiti neshamhu yenhamo dzakasiyana-siyana murenje. VaFirisitia, tsungai mwoyo. Ivai varume, mukasadaro munoswera mava varanda vavaHebheru sezvavakanga vari kwamuri. Ivai varume, murwe.” Saka vaFirisitia vakarwisa, vaIsiraeri vakakundwa. Mumwe nomumwe wavaIsiraeri akatizira kumba kwake. Pakafiwa zvokufiwa zviya. Pakafa varwi vetsoka vavaIsiraeri zviuru makumi matatu. Bhokisi raMwari rakapambwa. Vanakomana vaEri Hofini naFinehasi vakauraiwa.

Verenga chikamu 1 Samueri 4