Sauro akatumira vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vamugarire vazomuuraya mangwanani acho. Zvino mukadzi waDhavhdhi, Mikari akamubayira zani achiti, “Kana ukarega kuzviponesa zvako usiku hwanhasi, mangwana uri kuurayiwa.” Mikari akaburitsa Dhavhidhi napahwindo ndokubva atiza akapunyuka. Mikari akatora chifananidzo akachirarisa pamubhedha akaisa chichira chemvere dzembudzi kumusoro kwacho akachifugidza nejira. Sauro paakatuma vanhu kuzobata Dhavhidhi Mikari akati, “Ari kurwara.” Sauro akadzosera vanhu ivava kundoona Dhavhidhi achiti, “Uyai naye kwandiri ari pamubhedha ipapo, ndimuuraye.” Kuzoti vanhu vaya vasvikako wanei chifananidzo ndochiri pamubhedha nechichira chemvere dzembudzi chiri kumusoro. Sauro akabvunza Mikari kuti, “Wandinyengedzerei kudai kurega zvako muvengi wangu achipunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, “Aiwa, iye akanditi, ‘Chitondirega ndiende, ungapafe pano.’ ” Dhavhidhi akatiza akapunyuka akasvika kuna Samueri kuRama, akamurondedzera zvose zvaakaitirwa naSauro. Iye naSamueri vakaenda kundogara zvavo kuNaioti. Shoko rakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi ari paNaioti kuRama.
Verenga chikamu 1 Samueri 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 19:11-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo