Dhavhidhi akafumomuka akasiya hwai dziine mumwe wokudzichengeta. Akatora mbuva iya woenda sokuudzwa kwaangakanga aitwa naJese. Akasvika pamatendhe izvozvo varwi vakanga vachitobuda vachienda kundoronganirana hondo, ngondo ichirira. VaIsiraeri navaFirisitia vakanga zvino vamirisana chikwata nechikwata chavarwi zvakatarisana. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake mumaoko omuchengeti wezvinhu, akamhanyira kwaiva navarwi akandobvunzana upenyu navakoma vake. Paaitaura kudaro murume uya, shasha yavaFirisitia yainzi Goriati, akabuda mukati mehondo yechiFirisitia ndokupamhidza kutaura twake twuya. Dhavhidhi ndokunzwa achitaura. Varwi vose zvavo veIsiraeri pavakamuona vakamutiza vachitya kwazvo. Varwi veIsiraeri vakataurirana vachiti, “Muri kuona here murume uyo? Uyu ndiye munhu ari kuzovirimira Isiraeri kwazvo. Munhu anenge amuuraya, mambo achamupa upfumi hwakawanda kwazvo nokumupawo mukunda wake. Achatiwo mhuri yokwake igare zvayo isina chainomanikidzwa kuita muIsiraeri.” Dhavhidhi akati kuvarume vaiva vamire naye, “Munhu anenge auraya muFirisitia uyu achibvisa nyadzi pavaIsiraeri achaitirweiko nokuti ndiani muFirisitia iyeyu asina zvake kudzingiswa anobva atodai kudhadhairira hondo yaMwari mupenyu?” Ivavowo vakamupindura zvimwechetezvo vakati, “Ndizvo zvichaitirwa anenge amuuraya.” Zvino paitaura Dhavhidhi navamwe varume vaya, mukoma wake mukuru Eriabhu akazvinzwa akamuvirukura nehasha achiti, “Ko wavingei kuno? Hwai dziya shoma wadzisiya nani musango ndinoziva kushaya matyira kwako nokuipa mwoyo kwako, izvozvi kuuya zvako kuzoyeva chete hondo iri kurwiwa.” Dhavhidhi akapindura achiti, “Ko zvino ndatadzei? Kazwi kamwechete chete kandati nditaure?” Akatendeuka kubva kuno uya obvunza mumwewo zvimwechetezvo, vanhu vakapindura zvimwechetezvo. Mazwi akataurwa naDhavhidhi paakanzwikwa navanhu vakaasvitsa kuna Sauro. Sauro ndokumutumira nhume kuti auye. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuwana munhu anorasa mwoyo pamusana pomunhu uyu. Ini muranda wenyu ndichaenda ndindorwisa muFirisitia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungakwanisi kundorwisana nomuFirisitia uyu. Uri mwana muduku iwe. Iye murume wezvokurwa chikuriro chake chose.” Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini muranda wenyu ndaimbova mufudzi wehwai dzababa vangu. Kwaiti kana kukauya bere kana shumba ikabata hwayana mudanga, ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya. Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.” Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho. Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura.
Verenga chikamu 1 Samueri 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 17:20-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo