Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:1-19

1 Samueri 17:1-19 SCLB

VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuSoko guta rokwaJudha kuti varwe hondo vakadzika matendhe pakati peSoko neAzeka muEfesidhamimu. Izvozvo Sauro akanga aunganawo navarwi veIsiraeri vadzikawo matendhe avo mubani reEra vatoronganirana kuchirwisa vaFirisitia. VaFirisitia vakanga vamire mugomo kune rumwe rutivi, vaIsiraeri vamirewo mugomo kune rumwewo rutivi bani riri pakati pavo. Zvino kumatendhe evaFirisitia, kwakabuda imwe shasha yokuGati yainzi Goriati yakanga yakareba mamita anenge oda kusvika matatu. Akanga akadzika nguwani yendarira mumusoro akapfeka chidemautare chendarira chokuzvidzivirira nacho chairema makirogiramu ainge oda kusvika makumi mashanu ana manomwe. Uyezve akanga ana mapatisi endarira pamipimbiri, akatanhika pfumo rendarira pamapfudzi. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita somutandariko wechinoshandiswa nomuruki. Chese yesimbi yepfumo rake yairema makirogiramu manome. Mutakuri wenhoo yake aiva mberi kwake. Akamira akadaidzira kuhondo dzavaIsiraeri achiti, “Mavingei kutoronganirana hondo kudai? Hezvinoka ini ndiri muFirisitia, imi muri varanda vaSauro. Chizvisarudzirai munhu murege auye kuno kwandiri. Kana akagona kurwa neni akandiuraya, isu tichava varanda venyu. Asi ndikange ndamukurira, ndikamuuraya imi ndimi muchava varanda vedu vokutishandira.” MuFirisitia uyu ndokuti, “Nhasi ndiri kushora hondo dzavaIsiraeri. Ndipei munhu, ndirwe naye.” Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa izvi zvaitaurwa nomuFirisitia uyu vakakangaidzwa nazvo vakatya zvikuru. Dhavhidhi aiva mwanakomana womumwe muEfurati wokuBheterehemu kwaJudha ainzi Jese aiva navana vakomana vasere. Panguva dzaSauro, Jese uyu, akanga akwegura uye ava namakore akawanda. Asi vana vake, vakomana vakuru vatatu, ndivo vakaenda kuhondo naSauro. Mazita avana vavo vakomana vatatu vokuenda kuhondo ndeaya: kunoti Eriabhu, dangwe rake, achiteverwa naAbhinabhabhu, kwozoti Shama, ariye wechitatu. Dhavhidhi ndiye aiva gotwe. Vakuru vacho vatatu vaya vakaenda naSauro. Dhavhidhi aipota achibva kwaSauro achimbondofudza hwai dzababa vake kuBheterehemu. MuFirisitia uya akapedza mazuva makumi mana achiuya ipo paya kuzozvionesa mangwanani namanheru oga oga. Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Igira vakoma vako makirogiramu gumi embesanwa dzakakangwa idzi nezvingwa izvi gumi ukurumidze kuenda nazvo kumatendhe kuvakoma vako. Endawo nezvimedu izvi gumi zvechizi undopa mutungamiriri wavo wechiuru chavarwi. Enda undoona kuti vakoma vako vakadii, utivigirewo zvimwe zvinobva kwavari. Sauro navakoma vako navaIsiraeri vose vari kurwisana navaFirisitia kubani reEra izvozvi.”