Samueri akati kuna Sauro, “Ndakatumwaka ini naTenzi kuti ndikuzodze, kuti uve mambo wavanhu vake vaIsiraeri. Saka zvino chinzwa zvarehwa naiye Tenzi. Zvanzi naTenzi, Samasimbaose, ‘Ndinoda kuranga Amareki nezvavakaitira Isiraeri zvokuvagariridza munzira pavaibva kuIjipiti. Zvino enda urwise vaAmareki unyatsoparadza zvose zvavanazvo, usavanzwire tsitsi, asi unofanira kutouraya kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi nokubvira pamwana kudzamara kurusvava ruchiri kuyamwa, kubvirawo pamombe kusvikira kuhwai uyewo kubvira pangamera kudzamara kudhongi.’ ” Nokudaro Sauro akakoka vanhu kuti vaungane akavaverenga paTeraimu vakakwana mazana maviri ezviuru zvavarume vokufamba netsoka kwouyawo vokwaJudha gumi rezviuru zvavarume. Sauro akaenda kuguta revaAmareki akasvikoti vamwe vaite zvokuhwandira mumupata. Sauro akaruma vaKeni nzeve achiti, “Ibvai pano budai mukati mevaAmareki, ndingadaro ndikakubatanidzirai nevaAmareki. Ndinodaro nokuti makaitira vaIsiraeri vose tsiye nyoro pavaibva kuIjipiti.” VaKeni vakabva vabva mukati mevaAmareki. Sauro akabva akurira vaAmareki kubvira kuHavhira kusvikira kuShuru, kumabvazuva kweIjipiti. Akabata Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu. Asi vamwe vanhu vose akanyatsovauraya namapakatwa. Asi iye Sauro navanhu vake vakaitira Agagi tsiye nyoro vakarega kumuuraya. Vakaregawo kuuraya hwai nemombe dzakanga dzakanakisisa, nehwayana nezvigondora zvakanga zvakakora nezvose zvakanga zvakanaka izvozvo zvose havana kana kuzviparadza asi zvimwe zvose zvaiva nechinoshoreka pazviri zvakanga zvisina maturo ndizvo zvavakanyatsoparadza chaizvo. Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati, “Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi. Samueri akafumomuka mangwanani kundoonana naSauro. Samueri akaudzwawo kuti, “Sauro anga ari kuKarimeri. Mufungeka akazvidzikira shongwe ikoko ndokusimudzira zvake rwendo rwake odzika akananga kuGirigari.” Samueri akazosvika kuna Sauro, Sauro akakwazisana navo achiti, “Tenzi ngaakukomborerei! Ndakaita zvakataurwa naTenzi.” Samueri ndokuti, “Ko chandiri kunzwa kuti bhererere hadzisi hwai here? Ko chiri kunzwika kukuma hadzizi mombe here?” Sauro akati, “Dzakauya navanhu kubva kuvaAmareki nokuti mombe nehwai idzodzi dzakanakisisa kwazvo havana kudziuraya vachiitira kuzobayira Tenzi, Mwari wenyu zvibayiro. Asi zvimwe zvose takanyatsozviparadza.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Chinyarara! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naTenzi usiku hwapfuura.” Iye akavati, “Ee taurai zvenyu.”
Verenga chikamu 1 Samueri 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 15:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo