Muguta reRamataimuzofimu, munyika yamakomo yokwaEfuremu maiva nomumwe murume ainzi Erikana mwana waJeroharamu. Jeroharamu akaberekwa naErihu, Erihu akaberekwawo naTohu mwanakomana waZufu wedzinza rokwaEfuremu. Erikana aiva navakadzi vaviri, wokutanga ainzi Hana wechipiri achinzi Penina. Penina aiva navana asi Hana akanga asina vana. Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko. Zuva raipira Erikana chibayiro aipa migove kune mukadzi wake Penina navana vake vose vakomana navasikana. Kunyange zvazvo Erikana aida Hana aizongomupawo mugove mumwechete bedzi nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko.
Verenga chikamu 1 Samueri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 1:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo