Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 13:1-17

1 Madzimambo 13:1-17 SCLB

Ndiye munhu waMwari nepo vhu achibva kwaJudha neshoko raTenzi. Izvozvo Jerobhoamu akanga amire padyo neatari kuti achipisa rusenzi. Murume uyu akadaidzira kuatari iyoyi namazwi aakafemerwa naTenzi achiti, “Atari, iwe atari, zvanzi naTenzi, chinzwa kuchaberekwa mwana mukomana womumba yokwaDhavhidhi ane zita rokuti Josiya. Iyeyo achapira pauri iyewe sezvibayiro vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vachipisa rusenzi pauri. Vachapisa pauri iwe mapfupa avanhu.” Akabva apa chiratidzo musi wakarewo achiti, “Hechinoi chiratidzo chinoratidza kuti Tenzi ndiye azvitaura. Teererai munzwe, atari iyoyi iyi ichakoromorerwa pasi, rota riri pairi iri richakuhumurirwa pasi.” Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvaitaurwa nomunhu waMwari nezveatari yapaBhetieri, akatambanudza ruoko kumunongedza ari paatari ipapo achiti, “Batai munhu uyo.” Ruoko irworwo rwaakatambanudza kunongedza rwakabva rwati papata kuoma zvokuti haana kukwanisa kurugonyesa. Atariwo yakabva yati pasi tsetsemu tsemu tsemu. Rotawo raiva paatari ndiye pasi ririri maererano nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari sokufemerwa kwaaiva aitwa naTenzi. Mambo ndokuti kumunhu waMwari, “Ndateterera ndikumbirireiwo kuna Tenzi, Mwari wenyu mundinamatirewo kuti ndiporeswe ruoko rwangu.” Munhu waMwari akakumbira kuna Tenzi, mambo akaporeswa ruoko rwake ndokubva rwaita sezvarwakanga rwakaita kare. Mambo akati kumunhu waMwari, “Uyai tiende tose kumba muwane chokumboti mudzore mwoyo ini ndigokupaiwo kachipo kangu.” Munhu waMwari akati kuna mambo, “Kunyange zvenyu mukandikamurira napakati zvemba yenyu, handiende nemi uye handisi kuzodya chokudya kanawo kunwa zvako mvura yokuno nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa mvura kana kudzokera nenzira yandambofamba nayo pakuuya.” Saka akaenda neimwe nzira, akarega kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBhetieri. Zvino kuBhetieri ikoku kwaigara mumwe muporofita wechikuru. Mumwe mwana wake mukomana akauya akamutaurira zvose zvaiva zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBhetieri imomo, shokowo raakanga ataura kuna mambo vakaritaurira baba wavo. Baba wavo vakati kwavari, “Aenda nokupi?” Vana vake vakomana vakamuratidza nzira yaakanga aenda nayo munhu waMwari aibva kwaJudha. Iye akati kuvana vake, “Ndisungirei dhongi.” Vakavasungira dhongi ndokubva vati padhongi riye karakata votevera munhu waMwari uya vakamuwana agere zvake pasi pomuti womuoku. Vakamuti, “Ndimi here munhu waMwari abva kwaJudha?” Iye ndokuti, “Ndini.” Ivo vakamuti, “Handei kumba mumbowana chokuisa mukanwa.” Iye ndokuti, “Handikwanisi kudzokera nemi kana kuenda nemi kunyange kudya chokudya kana kunwa mvura zvayo nemi kuno uku nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa zvako mvura yeko kana kudzokera nenzira yandakambofamba nayo pakuuya.”