Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 7:25-40

1 Vakorinde 7:25-40 SCLB

Kuna vasina kuwana handina mutemo waTenzi asi ndinokupai zvandinofunga somunhu anovimbika chiri chipo chenyasha dzaTenzi. Ndinofunga kuti nenhamo dziriko iye zvino, zviri nani kuti munhu arambe ari zvaari. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvake kusunungurwa. Hauna kuwanana nomukadzi here, usatsvake zvokuwana. Asi ukawana hauna kupara chitadzo. Musikanawo akawanikwa haana kupara chitadzo. Asi vanoroorana, nhamo dzapasi dzoupenyu ndedzavo. Ndingade kuti ndikudzivirirei kunhamo dzakadaro. Zvandinoreva ndezvizvi, hama dzangu, nguva yakatemwa iya yava pedyo pedyo. Kubvira iye zvino zvichienda mberi vana vadzimai ngavagare savasina. Uye vaya vanochema ngavaite savasiri kuchema. Vanofarawo ngavaite sevasiri kufara. Uye vanotenga ngavaite savasina zvinhu. Vane zvokuita nezvenyika ngavaite savasinei nezvenyika nokuti nyika sezvairi iri kupfuura. Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake. Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi. Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa. Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka. Naizvozvo munhu anoroora musikana wake anoita zvakanaka uyewo munhu asingaroori anotoita zviri nani. Kana murume achiri mupenyu mudzimai anosungwa nomurawo wokuramba akabatana nomurume wake, asi murume wake akafa, akasununguka kuroorwa nomurume waanoda asi ngazviitwe muna Tenzi. Asi sokuona kwangu angatova munhu akakomborerwa zvake akaramba ari zvaari izvozvo. Ndinofunga kuti ndina Mweya waMwari.