Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 15:54-58

1 Vakorinde 15:54-58 SCLB

Kana muviri unoora wapfeka kusaora uye muviri unofa wapfeka kusafa ndipo pachazoitika zviya zvakanyorwa zvinoti; Rufu rwakamedzwa nokukurirwa kwarwakaitwa Nhai rufu kukurira kwako kuripi? Iwe rufu rumborera rwako ruripi? Rumborera rwerufu chitadzo. Simbawo rechitadzo mutemo. Mwari ngaatendwe anoita kuti tikunde nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzadiwa, rambai makasimba musingatsukutsiki musingasiyani kwazvo nebasa raTenzi tichiziva kuti muna Tenzi basa renyu harishai maturo.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne1 Vakorinde 15:54-58