Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 14:1-20

1 Vakorinde 14:1-20 SCLB

Rudo ngaruve ndicho chinangwa chenyu muvavarire kwazvo kuwana zvipo zvomweya zvikuru kuti muporofite. Chikonzero chacho ndechokuti anotaura norurimi rusingazivikanwi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari nokuti hapana anomunzwisisa asi anotaura zvakavandika muna Mweya. Asi uyo anoporofita anotaura kuvanhu zvinovavaka nokuvakurudzira nokuvanyaradza. Anotaura norurimi rusingaziikanwi anozvisimbisa iye pachake asi uyo anoporofita anosimbisa sangano. Zvino ndingade zvangu kuti mose mutaure nendimi asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kupinda anotaura nendimi dzisingazivikanwi kusatoti mumwe achiturikira kuti sangano risimbiswe. Ko zvino, nhai hama dzangu, ini ndingakubatsirei sei kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi dzisingazikanwi kusatoti ndakuunzirai zvakanga zvakavandika kana kuti ruzivo kana kuti zvakaporofitwa kana chidzidziso. Kunyange zvinhu zvokuimbisa zvisina upenyu senyere kana dimbwa kana zvisingasiyanisi maungira azvinoburitsa munhu angazive sei rumbo rwuri kuimbwa? Kana hwamanda ikarira asi kurira kwayo kusina zvakunoreva kuvanhu ndiani angagadzirire kundorwa? Ndizvo zvimwechetezvo nemi kana mukataura nendimi dzisingazivikanwi, kozvino munhu angazive sei zvinotaurwa? Munenge muchitotaura kumhepo zvenyu. Ichokwadi kuti kune mitauro mizhinji yakasiyana–siyana pasi pano asi hapana usina zvaunoreva. Asi kana ndisingazivi zvinoreva mutauro iwoyo ndichava wechirudzi kumutauri uye mutauri achava wechirudziwo kwandiri. Ndizvo zvimwechete nemi, zvamunodisisa kuona zvinhu zvinoratidza kuti Mweya Mutsvene aripo, vavarirai kuvaka sangano. Naizvozvo anotaura nendimi dzisingazivikanwi ngaanamate kuti apiwe simba rokuturikira nokuti kana ndichinamata norurimi rusingazivikanwi, mweya wangu unonamata, asi pfungwa dzangu hadziwane muchero mazviri. Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu, nokuti ukatenda nemweya ko munhu asina kuzvidzidza angati, “Ameni” sei kumunamato wako wokutenda iye asingazivi zvauri kutaura? Unogona kutenda zvakanakisisa zvako asi mumwe wako asina chaanobatsirwa nacho. Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzisingazivikanwi kupfuura imi mose. Asi musangano ndingatoda kutaura mazwi mashanu ndichishandisa pfungwa dzangu kuti ndidzidzise vamwe pane kutaura mazwi zviuru gumi mururimi rusingazivikanwi. Hama dzangu musaite savana vaduku mukufunga kwenyu. Asi pakuita zvakaipa ivai zvenyu savana vaduku, asi pakufunga ivai vanhu vabve zero.