Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 7:13-25

Varoma 7:13-25 SCLBD

Ko zvino tingati icho chinhu chakanaka kudai chakaunza rufu kwandiri here? Handizvo kwete, asi kuti chitadzo ndicho chaikonzera rufu mandiri nomune chinhu chakanaka, kuti chitadzo chionekwe zvachiri kuti chitadzo. Uye chashandisa mutemo kudaro chichibva chanyatsobuda pachena kuti chakaipisisa. Tinozviziva kuti mutemo ndewezvemweya asi ini ndiri munhu wenyama. Ndakatengeswa kukamwoyo kokuda kutadza. Handinzwisisi zvandinoita. Ndinodaro nokuti handiiti zvandinoda kuita. Asi ndinoita izvo zvandisingadi kuita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka. Naizvozvo handisirini ndinozviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri. Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya. Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo. Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari. Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu. Zvino ini, panguwo pano, ndiani achandinunura kumuviri wangu uyu worufu. Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.

Verenga chikamu Varoma 7