Chitadzo chakanga chatova panyika Mutemo usati wapiwa. Hapana chitadzo kana pasina mutemo. Asi rufu rwaitonga kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Mosesi, ruchitonga kunyange vane zvitadzo zvisina kuenzana kukura nezvaAdhamu aiva mumvuri wouyo aizouya. Chipo chenyasha hachina pachingamboenzaniswa napo kukura nechitadzo chiya, nokuti kana vanhu vazhinji vakafa pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete, ko kutozoti nyasha dzaMwari nechipo chinopiwa pachena, pamusana penyasha dzomunhu mumwechete uya, Jesu Kristu, chinofashurirwa zvakadii kuvanhu vakawanda. Zvinoitwa nechipo chinopiwa pachena hazvina kufanana nechitadzo chomunhu mumwechete uya. Ndinodaro nokuti mushure mechitadzo ichi chimwechete pakabva patemwa kuti pane mhosva asi mushure mezvitadzo zvizhinji pamusana pechipo chimwechete chinopiwa pachena pakatemwa kuti hapana mhosva. Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami. Saizvozvo pamusana pokuti chitadzo chomunhu mumwechete chakaita kuti vanhu vose vanzi vane mhosva nezvowo chiito chakanaka chomunhu mumwechete chinoitawo kuti panzi hapana mhosva uye chichipa upenyu kuvanhu vose; nokuti nokusateerera kwomunhu mumwechete, vanhu vazhinji vakava vatadzi, nokudaro nokuteererawo kwomunhu mumwechete vanhu vazhinji vacharuramiswa. Mutemo wakapindira kuzowanziridza kutadza asi nokuwanda kwakaita zvitadzo nyashawo dzakabva dzawanda zvikuru kwazvo. Izvi zvakaita kuti sokutonga kunoita chitadzo norufu nyashawo dzitonge nokururama kusvikira kuupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu.
Verenga chikamu Varoma 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 5:13-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo