Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 1:26-32

Varoma 1:26-32 SCLBD

Nokuda kwaizvozvi Mwari akavarega kuti vaite madiro avo votungamirirwa nehavi dzavo dzinonyadzisa. Vakadzi vavo vakasandura maitiro anofambirana nomusikirwo wavakaitwa savanhukadzi voita zvisingafambirani nomusikirwo wavo. Ndozvimwechetezvo navarumewo vakarega kutevedza zviri mumasikirwo avo okuti vatorane nomunhukadzi votsva nehavi yokuchivana pachavo, munhurume achiita zvinonyadzisa nomumwe munhurume vachibva vogamuchira mubayiro unokodzera wokukanganisa kwavo ikoko. Saizvozvo nokuti havana kuona chiri chinhu chinokodzera kuti vazive Mwari; Mwari akavaregawo vachiva nepfungwa yakaora nokusazvibata. Vakazara nouipi hose hunoti umambara ruchiva noutsinye. Vazere nokusafarira zvakanaka zvavamwe noumhondi nounyengedzi, nouipi hwakakomba nokurevana namakuhwa, nokuva vanhu vanovenga Mwari navanozvikudza navanozvirova dundundu navanozvitutumadza navane rubatabata, navasingateereri vabereki namapenzi avanhu, vanhu vasina chitendero, vasina mwoyo uye vasingakatari. Kunyange zvazvo vachiziva chirevo chaMwari chinoti vanoita zvakadaro vanofanira kufa, havangoita izvozvo chete asi kuti vanotobvumirana navanoita izvozvo.

Verenga chikamu Varoma 1