Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 2:18-29

Zvakaratidzwa 2:18-29 SCLBD

“Nyorera mutumwa wesangano rokuTiatira mazwi oMwanakomana waMwari ana maziso anenge rimi romoto anamakumbo akaita sendarira yakakwenenzverwa. Ndinoziva mabasa ako norudo rwako nechitendero chako nokushanda kwako nokutirira kwako uye kuti mabasa ako okupedzisa anokunda okutanga. Asi chandisingadi pauri ndechichi chokuti unoregerera mukadzi uyu Jezebhero anozviti muporofitakadzi asi achidzidzisa nokufurira varanda vangu kuita ufeve nokudya chokudya chakapirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokuti apinduke asi ari kuramba kusiyana nounzenza hwake. Ndichamurarisa pasi nedenda, naavo vanoita ufeve naye ndichavapinza mudambudziko rinorwadza kusatoti vasiyana nezviito zvake. Vana vake ndichavaparadza norufu. Masangano ose ndipo paachaziva kuti ndini ndinoongorora pfungwa nemwoyo womunhu uye ndichakupai, mumwe nomumwe wenyu, maererano nezviito zvake. Asi kunemi vamwe mose muri muTiatira imomo, vasingatenderani nechidzidziso ichi, vasina kudzidza zvinonzi navanhu zvakadzama zvaSatani, ndinoti kwamuri ini handichakuremedzai nomumwe mutoro asi kuti batisisai zvamuinazvo kusvikira ndauya. Uyo anokunda uye anoramba ari pabasa rangu kusvikira pakupedzisira, ndichaita kuti vechirudzi vave mumaoko ake. Iye achavatonga akavabatira shamhu yesimbi achivapwanya zvokuti mwarara sehari dzevhu sokugamuchira kwandakaitawo simba kubva kuna Baba vangu. Uye ndichamupa nyenyedzi yorungwanani. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.”