Kuna akatendeka imi makatendeka,
kune akarurama imi makarurama.
Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka,
asi kune ane muitiro wakakombama,
imiwo munobva mavava.
Munonunura vanotambudzika,
asi vanozvikudza,
munovaorora.
Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu,
imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima;
nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi,
ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka.
Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama,
zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi
inhoo yavose vanopotera kwaari.
Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI?
Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu?
Ndiye Mwari akandipa simba
akaita kuti nzira yangu ifambike.
Makumbo angu anoaita seengururu,
kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire.
Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo
zvokuti kunyange uta hwendarira,
maoko angu anogona kutatamura.
Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa,
rudyi rwenyu rwakanditsigira.
Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti
ndive mukuru mukuru.
Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru
zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina.
Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata,
ndikatozofuratira vapera kuti dhu.
Ndakavapwanya-pwanya
zvokuti havana kukwanisa kumuka,
vakati rakata pasi petsoka dzangu.
Makandipa simba rokurwa hondo
mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire.
Vanondivenga makaita kuti vanditize
vanondivenga ndikavaparadza.
Vakachemera rubatsiro
asi panga pasina wokuvanunura,
vakachema kuna TENZI
asi haana kuvapindura.
Ndakavakuya-kuya seguruva revhu
ndakavarasa sedhaka munzira.
Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu
makandiita musoro wendudzi dzavanhu
vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira.
Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba,
vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera.
Vatorwa vakarasa mwoyo,
vakabuda munhare dzavo vachidedera.
TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe,
ngaatunhidzwe Mwari,
muponesi wangu.
Mwari anonditsivira
anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu
akandipunyutsa kuvavengi vangu.
Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu,
mukandinunura kuvanhu vehondo.
Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI
mukati mendudzi
ndichaimba ndichirumbidza zita renyu.
Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo,
anoitira mwoyochena muzodzwa wake
Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.