Ndinokudai TENZI, imi simba rangu.
TENZI ndiye bako rangu,
ndiye nhare nomununuri wangu.
Mwari wangu ndiye bako rangu,
maari ndimo mandinopotera.
Ndiye nhoo yangu,
ndiye ane simba rokundiponesa
ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo.
Ndinodaidzira kuna TENZI;
iye anofanira kurumbidzwa,
ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga.
Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza,
mafashamo ohumharadzi akandirwisa.
Tambo dzenzvimbo yavachakabvu
dzakandikochekera
mariva orufu akandigaririra.
Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI.
Ndakachema kuna iye Mwari wangu,
kuti andibatsire muTemberi yake,
iye akanzwa izwi rangu,
kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
Nyika yakadedera ikandengendeka,
nheyowo dzamakomo dzakazunguzika
dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa.
Akafemeruka utsi mumhuno dzake,
mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa.
Mukabuda mazimbe anobvira moto.
Akabvarura denga akaburuka,
gore dema riri pasi petsoka dzake.
Akanga akakwira pakerubhu
akabhururuka, akauya nokukurumidza
achibhururuka mumhepo.
Akaita kuti rima rimukwidibire
rakamutenderedza
makuti matematema chaiwo emvura
akaaita chokuhwanda nacho.
Mukupenya kwaiva mberi kwake,
pakabuda nomumakore
chimvuramahwe namazhenje omoto.
TENZI akadhiriridza mumatenga'mu,
izwi raNyadenga rikariridza.
Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto.
Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara,
akapenyesa mheni vakati ware kuparara.
Makoronga omugungwa akaoneka,
pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha
nokutsiura kwenyu, TENZI
nedutu rinobva mumhuno dzenyu.
Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora,
akandinyurura mumvura zhinji.
Akandinunura kuvavengi vangu vane simba
nokuna vaindivenga,
nokuti vaiva nesimba kupinda ini.
Vakandivinga pazuva renhamo dzangu,
asi TENZI ndiye akava musimboti wangu.
Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu,
akandinunura nokuti anondifarira.
TENZI akandipa mubayiro,
maererano nokururama kwangu,
akandidzorera zvinofambiranawo,
nokuchena maoko kwandakaita;
akandipa mubayiro