Areruya. Rumbidzai TENZI kumatenga; murumbidzei kumusorosoro. Murumbidzei imi vatumwa vake vose; murumbidzei imi hondo dzake dzose. Murumbidzei imi zuva nemwedzi; murumbidzei imi nyenyedzi dzinopenya. Murumbidzei imi matenga okumusorosoro nemi mvura dzokumusoro kwamatenga. Ngazvirumbidze zita raTENZI nokuti akataura, izvo zvikabva zvasikwa. Akazvimisa panzvimbo yazvo nokusingaperi, akazvisiira miganhu yazvo yazvisingapfuuri. Pasi ngaparumbidzewo TENZI: imi mazigaranyanya nemi hwenje hose hwegungwa newe moto nechivhuramahwe namazaya echando namazaya echando chamangwanani nemi dutu remhepo rinoita zvaanoreva; imi makomo nezvikomo zvose, miti yemichero nemisidhari yose, imi zvikara nemi mombe dzose, imi zvinhu zvinokambaira, nemi shiri dzinobhururuka, nemi madzimambo apasi nemi vanhu vose, imi machinda nemi vatongi vose vapasi nemi majaya nemhandara pamwechete imi vakwegura nemi vana, rumbidzai zita raTENZI nokuti zita rake roga ndiro riri pamusorosoro, mukurumbira wake, denga napasi zvinosara pasi. Akaita kuti vanhu vake vave rudzi rune simba varurami vake vose ngavarumbidzwe ngavarumbidzwe vanhu veIsiraeri vari pedyo naye. Areruya.
Verenga chikamu Nziyo 148
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 148:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo