Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 14:11-25

Kuverengwa 14:11-25 SCLBD

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo? Ndichavarakatisa nedenda ndigovaita kuti vave vanhu vasingakodzere kuwana nhaka. Ndigokuita iwe rudzi rukuru rune simba guru kupfuura ivo.” Asi Mosesi akateterera Tenzi achiti, “VaIjipiti vachazvinzwa nokuti imi makabvisa vanhu ava nesimba renyu vachibva mukati mavo. Vachazviudza vanhu vomunyika ino vakanzwa kuti imi Tenzi muri pakati pavo, muchinyatsoonekwa uso nouso! Gore renyu rinomira riri pamusoro pavo, muchivatungamirira neshongwe yegore masikati, usiku muchivatungamirira nezirimi romoto. Zvino kana mukauraya vanhu venyu vose ndudzi dzakanga dzanzwa mukurumbira wenyu dzichati, ‘Tenzi akakundikana kusvitsa vanhu ava kunyika yaakanga avatsidzira, saka akavaurayira murenje.’ Zvino ndapota! Chiratidzai ukuru hwesimba renyu sokutsidza kwamakaita muchiti, ‘Imi Tenzi hamukurumidze kushatirwa. Mune mwoyo wakachena. Munoregerera zvitadzo, munoregererawo kukanganisa. Kunyange zvakadaro hamuzorega kuranga vana nezvizukuru pamusana pezvitadzo zvavabereki vavo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina.’ Ndapota regererai waro zvitadzo zvavanhu venyu ava nokuti mune tsitsi dzakawanda. Chiitirai vanhu ava mwoyo murefu sezvamakavaitira kubvira vachiri Ijipiti kusvikira iye zvino.” Tenzi akati, “Ndavaregerera sokukumbira kwako. Asi ndinopika neni pachangu. Ndinopika nembiri yangu izere pasi pose ndichiti, ‘Hakuna nomumwe wavanhu ava achapinda munyika iyoyo. Vakaona mbiri yangu nezvishamiso zvandakaita kuIjipiti nomurenje, asi vakandiedza kagumi kagumi vasinganditeerere. Hakuna nomumwe wavo achapinda munyika yandakapikira madzitateguru avo, kana vose vakandishora havambofa vakakutsika.’ Asi muranda wangu Karebhu ane mwoyo wakasiyana navamwe anonditeerera nomwoyo wose ndiye wandichasvitsa kunyika iyoyo yaakasvika ichava nhaka yezvizukuru zvake. Pamusana pokuti vaAmareki navaKanani vagere mumapani. Mangwana, imi tendeukirai kurenje mutore nzira inoenda kuGungwa Dzvuku.”