Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 9:14-32

Mariko 9:14-32 SCLBD

Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo. Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa. Jesu akavabvunza achiti, “Ko muri kuitirana nharo dzei?” Mumwe wegungano riya akamupindura achiti, “Mudzidzisi ndauya nemwanakomana wangu kwamuri ane mweya wakaipa wembeveve. Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.” Akavapindura achiti, “A! Rudzi rusingatendi urwu! Ndichange ndiinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Muunzei kwandiri.” Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo. Jesu akabvunza baba vake achiti, “Ava nenguva yakadii achidai?” Ivo vakati, “Kubvira paupwere hwake. Wakamuwisira kazhinji mumoto, nomumvura uchida kumuparadza. Kana pane chamunogona kuita tinzwireiwo tsitsi mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.” Jesu achiona kuti gungano ravanhu rava kuti wiri–wiri kuungana, akatsiura mweya wetsvina achiti, “Iwe mweya wembeveve newematsi ndiri kukuudza kuti, ‘Buda maari, uye usazopindazve maari.’ ” Mweya ndokuzhamba, uchimupfurupfutisa ndokubuda maari; sarei mukomana oita seafa, zvokuti voruzhinji vakati afa. Asi Jesu akabata ruoko rwake achimusimudza, iye ndokubva asimuka. Kuzoti Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?” Akavapindura achiti, “Rudzi rwemweya uyu haruna madzingiro, asi nokunamata chete.” Zvino vakabva ipapo vakapfuura nomuGarirea asi akanga asingadi kuti zvizivikanwe naani zvake; nokuti aidzidzisa vadzidzi vake achiti kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu vachizomuuraya. Kana auraiwa achamukazve mushure memazuva matatu.” Asi havana kunzwisisa zvaakataura, uye vakatya kumubvunza.

Verenga chikamu Mariko 9