Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 6:24-56

Mariko 6:24-56 SCLBD

Zvino musikana uya akabuda panze akabvunza amai vake achiti, “Chii chandingakumbire?” Ivo vakati, “Musoro waJohani anoombeka.” Musikana akabva apinda makare nokuchimbidza kuna Mambo ndokukumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino, mudhishi, musoro waJohani Muombeki.” Mambo zvakamurwadza chaizvo, asi nokuda kwemhiko dzake dzaakanga aita, uye pamusana pavaenzi vake, haana kuda kuramba. Pakarepo mambo akatuma musoja wokuchengetedza mambo achimuti auye nomusoro waJohani. Iye akaenda akandomudimura musoro mujeri muya, ndokuuya nawo uri mudhishi, akaupa kumusikana; musikana ndokuupawo kuna amai vake. Zvino vadzidzi vaJohani zvavakazvinzwa, vakaenda, vakatora chitunha chake ndokuchiviga muguva. Zvino vapositori vakadzoka kuna Jesu vachimurondedzera zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa. Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya. Vakabvapo negwa ndokuenda pachavo vari voga kunzvimbo isina vanhu. Vanhu vazhinji vakavaona vachienda vakabva vavaziva ndokumhanyirako netsoka vachibva mumaguta ose, vakavatangira kusvikako. Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. Kuzoti zvino zuva rarereka, vadzidzi vake vakauya kwaari voti, “Ino inzvimbo isina vanhu uye zuva rarereka iri, chiitai kuti vanhu vaende kumaruwa nokumisha yakapoteredza vandozvitengera zvokudya.” Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?” Iye ndokuvati, “Ko mune zvingwa zvingani? Endai mundotarisa.” Kuzoti vazviona, vakati, “Zvishanu nehove mbiri.” Iye akati vanhu vose vagariswe pasi pauswa hunyoro vakaita zvikwata–zvikwata. Vakabva vagara pasi vakaita mapato–mapato, mamwe ezana mamwe emakumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. Vose vakadya; vakaguta. Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri. Vakadya zvingwa zviya vaiva varume zviuru zvishanu. Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya. Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata. Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga. Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira. Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere; nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.” Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru, nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara. Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kudunhu reGenesareti ndokusungirira igwa pamahombekombe. Vakati vachibuda mugwa riya vanhu vakabva vangomuziva. Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari. Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa.

Verenga chikamu Mariko 6