Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 10:1-31

Mariko 10:1-31 SCLBD

Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita. Zvino vaFarisei vakazouya kwaari vakamubvunza, kuri kumuedza zvavo vachiti, “Murume anobvumirwa here kuramba mukadzi wake?” Jesu akavapindura achiti, “Ko Mosesi akakutemerai zvipi?” Ivo vakati, “Mosesi akatibvumira kuti murume anyorere mukadzi tsamba yegupuro obva amudzinga.” Asi Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai mutemo wakadai pamusana poukukutu hwemwoyo yenyu. Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi. Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake. Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Kuzoti vava kumba vadzidzi vakamubvunza zvakare nezvenyaya iyi. Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe, anoita upombwe uye achimutadzira. Mukadziwo akaramba murume wake achitorana nomumwe murume anoita upombwe.” Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari. Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akamupindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka kunze kwaMwari oga. Unoziva wani mitemo inoti; usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema, usanyengedze, remekedza baba naamai vako.” Iye akatiwo kwaari, “Mudzidzisi, yose iyi ndakaichengeta kubvira pauduku hwangu.” Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.” Shoko iri rakamusvibisa mwoyo akabvapo woenda akasuruvara nokuti akanga aine upfumi hwakawanda. Jesu akaringa–ringa akati kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti vanoupfumi vapinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa kwazvo namazwi ake. Asi Jesu akataurazve achiti kwavari, “Vakomana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Ivo vakashamiswa zvikuru kwazvo vakataurirana vachiti, “Ndiani zvino angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Izvi hazvigoneki kuitwa navanhu asi naMwari. Kuna Mwari zvose zvinogoneka.” Pita ndipo pakazoti kwaari, “Tarisai muone isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai.” Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hakuna munhu akasiya musha, kana vakomanavanun'una, kana hanzvadzi, kana amai, kana baba, kana vana, kana minda pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka, asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisirawo vachiva vokutanga.”

Verenga chikamu Mariko 10