Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 26:14-46

Mateu 26:14-46 SCLBD

Zvino mumwe wavane gumi navaviri ainzi Judhasi Isikarioti akaenda kuvapristi vakuru akati, “Muchandipa chii kana ndikamuturira kwamuri.” Vakamubhadhara makumi matatu emari yesirivha. Kubvira ipapo Judhasi akanga achitsvaka nguva yokuti amutengese nayo. Pazuva rokutanga rechingwa chisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti, “Ndokupi kwamungade kuti tindokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Iye akati, “Endai muguta panhingi mundoti kwaari, Mudzidzisi ati, ‘Nguva yangu yasvika. Pamba pako ndipo pandichadyira Pasika navadzidzi vangu.’ ” Vadzidzi vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJesu. Vakagadzirira Pasika. Ava manheru, Jesu akagara pakudya navadzidzi gumi navaviri. Pavakanga vachidya akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu achanditengesa.” Vakabva vasuruvara kwazvo vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari vachiti, “Ndini here Tenzi?” Jesu akavapindura achiti, “Uyo aseva mundiro neni, ndiye achanditengesa.” Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu. Zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Judhasi, uyo akazomutengesa akati, “Ndini here mudzidzisi?” Jesu akati kwaari, “Inga wazvireva oga wani.” Zvavakanga vari pakudya, Jesu akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kuvadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda ndokuupa kwavari achiti, “Unwei mose nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva rinodeurirwa vazhinji kuti varegererwe zvitadzo. Ndinokutaurirai kuti handichazonwazve waini yomugirepisi kusvikira pazuva randinozonwa waini itsva nemi muumambo hwaBaba vangu.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda vakaenda kugomo roMuorivhi. Jesu akati kwavari, “Mucharasiswa mose pamusana pangu usiku huno nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi danga rehwai rigopararira.’ Asi kana ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akamupindura achiti, “Vamwe vose vangarasiswe zvavo pamusana penyu asi ini handimborasika.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akati kwaari, “Kunyange zvikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Ndizvo zvakataurwawo navamwe vadzidzi vose. Jesu akaenda navo kune imwe nzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano ini ndimboenda uko ndimbondonamata.” Akatora Pita navanakomana vaviri vokwaZebhedhi akabva atanga kudumbirwa nokutambura. Akazoti kwavari, “Ini ndadumbirwa zvikuru zvokunge ndichafa. Sarai pano murindire pamwechete neni.” Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.” Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru. Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo. Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi. Chisimukai tiende, houno anonditengesa wavakusvika.”

Verenga chikamu Mateu 26