Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 24:1-30

Mateu 24:1-30 SCLBD

Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi. Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?” Jesu akavapindura achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Nokuti kuna vazhinji vachauya nomuzita rangu vachiti ndini, ‘Kristu.’ Vacharasisa vazhinji. Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana–siyana. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu. Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana. Pachamuka vaporofita venhema vachizorasisa vanhu nzira. Nokuda kokuti uipi hunenge hwawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo anotsungarara kusvikira kumagumo achaponeswa. Shoko iri Rakanaka roumambo richaparidzwa pasi pose souchapupu kumarudzi ose. Ndipo panozouya kuguma. “Naizvozvo kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chakarehwa nomuporofita Dhanieri chamira munzvimbo inoera (anoverenga ngaanzwisise.) Ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo anenge ari pamusoro pemba ngaarege kuburikira pasi kuti andotora zviri mumba make. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jasi rake. Hameno zvavo vanenge vaina pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti kutiza kwenyu kusave panguva yechando kana kuti pazuva reSabata. Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve. Dai kuri kuti mazuva iwayo haana kutapudzwa, hapana munhu aiponeswa, asi pamusana pavakasarudzwa, mazuva iwayo achatapudzwa. “Ipapo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu kana kuti ari koko,’ musazvidavire nokuti kuchamuka vana Kristu vamanyepo navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti vatsautse, kana zvakwanisika, kunyange vasarudzwi. Chionai kuti ndakutaurirai zvisati zvaitika. Naizvozvo kana vakati kwamuri, ‘Hoyo ari murenje, musabude muchiendako. Kana vakati ari mudzimba dzomukati’ musazvitenda. Sokuvaima kunoita mheni kubva kumabvazuva kusvika kumadokero ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana womunhu. Pane chitunha, magora ndipo paanoungana. “Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa. Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru.

Verenga chikamu Mateu 24