Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi. Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?” Jesu akavapindura achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Nokuti kuna vazhinji vachauya nomuzita rangu vachiti ndini, ‘Kristu.’ Vacharasisa vazhinji. Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana–siyana. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu. Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana. Pachamuka vaporofita venhema vachizorasisa vanhu nzira. Nokuda kokuti uipi hunenge hwawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo anotsungarara kusvikira kumagumo achaponeswa. Shoko iri Rakanaka roumambo richaparidzwa pasi pose souchapupu kumarudzi ose. Ndipo panozouya kuguma.
Verenga chikamu Mateu 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 24:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo