Zvino pakaberekwa Jesu muBheterehemu reJudhea pamazuva amambo Herodhi; havo vazivi vezvenyenyedzi vakabva kumabvazuva, vakauya kuJerusaremu vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.” Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi. Vakamutaurira kuti, “MuBheterehemu yokuJudhea nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi
Verenga chikamu Mateu 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 2:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo