Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 12:17-21

Mateu 12:17-21 SCLBD

Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi. Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda muzita rake vechirudzi vachava netariro.”

Verenga chikamu Mateu 12