Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 10:16-31

Mateu 10:16-31 SCLBD

“Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva. Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri. “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa. Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji.

Verenga chikamu Mateu 10