Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 1:20-23

Mateu 1:20-23 SCLBD

Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene. Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.” Zvose izvi zvakaitika kuzadzisa zvakanga zvataurwa naTenzi nomuromo womuporofita uya zvokuti: “Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.)

Verenga chikamu Mateu 1

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 1:20-23