Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 1:16-25

Mateu 1:16-25 SCLBD

Jakobho akabereka Josefi murume waMaria, Maria ndiye akazobereka Jesu anonzi Kristu. Nezvo zvizvarwa zvose kubvira pana Abhurahamu kusvikira pana Dhavhidhi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pana Dhavhidhi kusvikira pautapwa hokuBhabhironi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pahutapwa huya hokuBhabhironi kusvika kuna iye Kristu pane zvizvarwa gumi nezvina. Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene. Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire. Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene. Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.” Zvose izvi zvakaitika kuzadzisa zvakanga zvataurwa naTenzi nomuromo womuporofita uya zvokuti: “Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.) Josefi paakamuka akaita sokuudzwa kwaakanga aitwa nomutumwa waTenzi. Akatora mudzimai wake asi haana kuzivana naye kusvikira apona mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Verenga chikamu Mateu 1