Akataurirawo munhu akanga amukoka achiti, “Kana wagadzira chokudya kana mabiko, rega kukoka shamwari dzako kana vakoma navanun'una vako, kana hama dzako kana kuti vavakidzani vako vapfumi nokuti vangadaro vakazokukokawo uchizoripwa. Asi kana waita mabiko, koka varombo nezvirema nemhetamakumbo, namapofu. Uchakomborerwa nokuti havagoni kuzokudzorerawo. Unozodzorerwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.” Asi Jesu akati kwaari, “Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vanhu vakawanda.” Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’ Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’ Muranda akati, ‘Changamire zvamati zviitwe zvaitwa asi nzvimbo ichiripo.’ Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare. Nokuti ndinokutaurirai kuti hapana kana nomumwechete waavo vakakokwa acharavira mabiko angu.’ ”
Verenga chikamu Ruka 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 14:12-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo