“Mudzidzisi mukadzi uyu abatwa ari mukuita upombwe. Zvino muMutemo, Mosesi akati tinofanira kutaka namabwe munhu akadai. Zvino imi munoti kudii naye?” Izvi vakataura vachida kuti vamunzwe kuitira kuti vawane mhosva yokumupa. Jesu akakotama akanyora pasi nomunwe wake. Pavakaramba vachingomubvunza akati twasu kumira ndokuti kwavari, “Uyo asina chitadzo pakati penyu ngaatange kumukanda dombo.” Ndokukotamazve onyora pasi nomunwe wake. Pavakazvinzwa vakaita rumwerumwe kubuda kuchitanga navakuru vacho. Jesu akasiiwa angova oga nomukadzi uya amire pamberi pake. Jesu akasimudza musoro akati kwaari, “Nhai mudzimai iwe vari kupi vaya? Hakuna neakupa mhosva here?” Iye akati, “Hapana changamire.” Jesu akati, “Kana neniwo handikupi mhosva chienda hako usazotadzazve.”
Verenga chikamu Johani 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 8:4-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo