Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?” Jesu akavapindura achiti,
“Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri
hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo
asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
Musashandire chokudya chinopera
asi chokudya chinogara
kusvikira kuupenyu husingaperi
chamunopiwa noMwanakomana womunhu,
nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.”
Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?” Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.” Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite? Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.”
Jesu akati kwavari:
“Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri,
haasi Mosesi akakupai
chingwa chinobva kudenga.
Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi
chinobva kudenga.
Nokuti chingwa chaMwari
ndechiya chinobva kudenga
uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari,
“Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.”
Jesu akati kwavari,
“Ini ndini chingwa choupenyu;
anouya kwandiri haaiti nzara
uye anotenda mandiri
haambofa akanzwa nyota.
Asi imi, sezvandambokuudzai
munondiona zvenyu asi hamutendi.
Chose chandinopiwa naBaba
chinouya kwandiri
uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze.
Nokuti ndakauya
ndichibva kudenga
kwete kuzoita kuda kwangu
asi kuda kwewakandituma.
Kuda kwewakandituma ndokuku
kwokuti handifaniri kurasikirwa
nechose zvacho chaanenge andipa
asi kutochimutsa pazuva remhedziso.
Uku ndiko kuda kwababa vangu
kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari
awane upenyu husingaperi
uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.”
VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu.
“Hapana angauye kwandiri
kana Baba vakandituma
vasina kutomukweva.
Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.
Zvakanyorwa muvaporofita
kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari.
Munhu wose anoteerera Baba
nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’
Hazvirevi kuti pana akamboona Baba
kusiya iye akabva kuna Mwari
ndiye akaona Baba.
Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri
anotenda anoupenyu husingaperi.
Ndini chingwa choupenyu.
Madzitateguru enyu akadya
mana murenje asi vakafa.
Ichi ndicho chingwa
chakaburuka chichibva kudenga
chokuti anenge achidya haazofa.
Ini ndini chingwa chipenyu
chakaburuka kubva kudenga.
Munhu wose anodya chingwa ichi,
achararama nokusingaperi.
Chingwa chandichapa
kuti chive upenyu hwapasi pose,
inyama yangu pachangu.”
VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti,
“Munhu uyu angatipe sei
nyama yake kuti tidye?”
Naizvozvo Jesu akati kwavari,
“Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri
mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu
nokunwa ropa rake
hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu
nokunwa ropa rangu
ano upenyu husingaperi
uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.
Nokuti nyama yangu kudya chaiko
uye ropa rangu kunwa chaiko.
Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu
anogara mandiri neniwo maari.
Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu
uye kuti ndinoraramiswa naBaba
ndizvozvowo zvinoita vanondidya
vachararamiswa neni.
Ichi ndicho chingwa
chakaburuka chichibva kudenga
chisina kufanana nechakadyiwa,
namadzitateguru enyu vakafa.
Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”
Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu.
Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.” Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi? Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare.
“Mweya ndiwo anopa upenyu;
nyama haina maturo.
Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu.
“Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.” Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye.
Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?” Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi. Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.” Jesu akapindura achiti, “Ndakakusarudzai muri gumi navairi handiti? Asi mumwe wenyu ndiDhiabhori.”