Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 21:1-18

Johani 21:1-18 SCLBD

Shure kwaizvozvi Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake kuGungwa reTibheriasi. Akazviratidza sezvizvi. Simoni Pita naTomasi anonzi Mapatya naNatanieri wokuKana yokuGarirea navana vaZebhedia navamwe vadzidzi vake vaviri vakanga vari pamwechete. Simoni Pita akati kwavari, “Ndavakuenda kundobata hove.” Ivowo vakati kwaari, “Handei pamwechete.” Vakabuda vakapinda mugwa asi usiku ihwohwo hapana chavakabata. Mambakwedza Jesu akamira pamahombekombe asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwavari, “Nhai varume, pane chamabata chokusevesa here?” Vakamupindura vachiti, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai usvasvi hwenyu kurudyi rweigwa munodzibata.” Saizvozvo vakahukanda vakabva vavakutadza kuhukakata nokuwanda kwehove. Mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kuna Pita, “NdiTenzi wani avo.” Simoni Pita paakazvinzwa kuti ndiTenzi, akapfeka hanzu yake yapamusoro ndokungozvimoneredza nokuti akanga asina chaakapfeka ndokusvetukira mugungwa. Asi vamwe vadzidzi vaya vakauya vari mugwa vachikakata usvasvi huzere hove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe; vakanga vari chinhambwe chinenge mamita makumi mapfumbamwe. Pavakasvika pamahombekombe vakaona moto wamazimbe nehove iri pamusoro pawo nechingwa. Jesu akati, “Uyai nedzimwe hove dzamabata.” Naizvozvo Simoni Pita akadzokerazve mugwa akakwevera usvasvi kumahombekombe hwakanga huzere hove huru dzaiva zana namakumi mashanu nenhatu. Kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda kudaro usvasvi hauna kubvaruka. Jesu akavati, “Chiuyai mudye.” Hapana akamboti regai ndimubvunze kuti ndimi ani. Vaitozviziva kuti ndiTenzi. Jesu akauya akatora chingwa ndokuchipa kwavari uye akaita zvimwechetezvo nehove. Aka, kakanga kava kechitatu Jesu achizvionesa kuvadzidzi vake mushure mokunge amutswa muvafi. Pavakapedza kudya kwamangwanani Jesu akati kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari, “Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.” Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.” Akamutizve rwechipiri Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.” Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza nokuti akamuti rwechitatu, “Unondida here?” Pita akati kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.” Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri, “Pawakanga uchiri mudiki waipfeka uchienda kwaunoda asi kana wachembera uchatambanudza maoko ako mumwe achikusunga achienda newe kwausingadi.”

Verenga chikamu Johani 21