Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri. Ini ndini mugirepisi imi ndimi mapazi acho. Anogara mandiri ndichagarawo maari iyeyo ndiye anobereka muchero wakawanda, nokuti musineni hapana chamunogona kuita. Kana munhu asingagari mandiri akaita sebazi rakadimburwa, rinouna. Mapazi akadai anounganidzwa okandwa mumoto opiswa. Mukaramba muri mandiri mazwi anguwo akaramba ari mamuri kumbirai zvenyu chamunenge muchida muchachiitirwa. Baba vangu vanorumbidzwa nezvizvi zvokuti mubereke michero yakawanda muchiratidza nazvo kuti muri vadzidzi vangu. Sokundida kwakaita Baba ndokukudaiwo kwandakaita. Rambai muri murudo rwangu.
Verenga chikamu Johani 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 15:4-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo