Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 1:4-10

Jeremiya 1:4-10 SCLBD

Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Ndisati ndambokuumba mudumbu ramai, ndaitokuziva, usati waberekwa ndakakutsaura. Ndakakureresa ndakakusarudza somuporofita kumarudzi avanhu.” Ini ndokuti, “AA! Nhai Tenzi Mwari! Tarisai muone kuti ini handikwanisi kutaura nokuti ndiri muduku!” Asi Tenzi akati kwandiri, “Rega kuti ndiri muduku, nokuti kune vose vandinenge ndakutuma unofanira kuenda uye zvandinenge ndakuudza unofanira kutaura. Rega kuvatya nokuti ini ndinenge ndinewe kuzokununura. Ndozviri kutaura Tenzi.” Tenzi akabva atambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu Tenzi akati kwandiri, “Chinzwa unzwe, ndaisa mazwi angu mukanwa mako. “Chiona, nhasi uno ndakupa masimba pamusoro pamarudzi namadzimambo okudzipura nookupaza, okuparadza, nookukurira okuvaka nookusima.”

Verenga chikamu Jeremiya 1