Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:19-32

Vatongi 6:19-32 SCLBD

Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika. Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.” Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri. Usiku ihwohwo Tenzi akamuti, “Tora handira yababa wako yechipiri ine makore manomwe. Pwanya atari yaBhaari, yababa wako, utemeteme chitanda chinomiririra Ashera, chiri pedyo nayo, uvakire Tenzi Mwari wako atari pamusoro penzvimbo iyi yokuzvidzivirira muhondo iri pano, matombo ayo anyatsorongwa. Unofanira kutora handira iyoyo yechipiri woita mupiro wokupisa, uupise nomoto wehuni dzechitanda chiya chinomiririra Ashera chaunenge watema-tema.” Gidheoni akatora varanda vake gumi mukati mevaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naTenzi. Asi pamusana pokuti aitya vemhuri yake navanhu vaigara mugutamo haana kuzviita masikati, akazviita nousiku. Varume vemuguta vakamuka, mangwanani wanei atari yaBhaari yapwanyiwa, chitanda chinomiririra Ashera chatemwa-temwa, handira yechipiri yapirwa paatari itsva yakanga yavakwapo. Vakabvunza vachiti, “Chaizvoizvo ndiani aita izvi?” Vakabvunzisisa vachitsvagurudza vakazoti, “NdiGidheoni mwanakomana waJoashi akaita izvi.” Varume vemuguta imomo vakati kuna Joashi, “Uya nomwanakomana wako timuuraye nokuti ndiye akapwanya atari yaBhaari, akatema-tema Ashera aiva pedyo nayo.” Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.” Naizvozvo musi iwoyo Gidheoni akatumidzwa zita rokuti Jerubhaari zvinoreva kuti, “Regai Bhaari arwisane naye” nokuti akapwanya atari yake.

Verenga chikamu Vatongi 6