Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 3:12-31

Vatongi 3:12-31 SCLBD

VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi ndokupa Egironi mambo weMoabhu simba rokuvakurira nokuti vakanga vaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Akakoka vaAmoni navaAmareki akandorwisa vaIsiraeri, vakakurira guta remirara rikava ravo. VaIsiraeri vakapedza gumi ramakore rina makore masere vachishandira Egironi mambo weMoabhu. VaIsiraeri vakazochemazve kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mumwezve mununuri ainzi Ehudhi mwanakomana wavaGera wedzinza rokwaBhenjamini aiva namaboshwe. VaIsiraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu. Zvino Ehudhi uyu akazvigadzirira bakatwa rake, muchekakwose chaiwo rakanga rakareba masendimita makumi mashanu. Akaripfekera muhanzu dzake, kuchidya chake chokurudyi. Akasvitsa mutero iwoyu kuna Egironi mambo weMoabhu. Egironi uyu aiva rume dindimutibvu chairo kufuta. Ehudhi paakati pedzei kuturira mutero uya, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero iwoyu vachidzokera zvavo. Asi iye pachake akadzoka vava kuzvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya zvokuGirigari, akasvikoti, “Mambo wangu, ndine nyaya yandiri kuda kumbotaurawo zvangu nemi kazevezeve.” Mambo ndokuti, “Chimbonyararai.” Vose vaimushandira vakabva vabuda panze vachimusiya. Ehudhi aswedera kuna mambo, iye akanga agere zvake ari oga mumba yepanhurikidzwa yapamusoro inotonhorera. Ehudhi akati “Ndine shoko renyu rabva kuna Tenzi.” Mambo akasimuka muchigaro chake. Ehudhi akati we-e bakatwa rake noruboshwe kuchidya chokurudyi kuya ndokuti naro bhofo mudumbu ramambo. Rakabva rati bherevere zvose nomupakato waro. Mafuta akariti fushe fushe nokuti haana kuribvisa mudumbu make, tsvina ikabva yabuda. Ehudhi akati bwa kubuda muberere, zarirei misuo yemba yapanhurikidzwa yapamusoro iya ndokubva asiya ayikiya. Kuzoti aenda, varanda vakabva vasvikawo, vakaona misuo yemba yapamusoro yapanhurikidzwa iya yakakiyiwa vakati, “Zvimwe mambo anodaro achizvibatsira zvake mumba yake inotonhorera.” Vakamirira kusvikira zvava kutovashayisa mazano, asi paasina kuzarura misuo, vakazotora kiyi vakazarura misuo iya, onei tenzi wavo akati rabada pasi atofa. Ehudhi akapunyuka pavaingunomirira paya. Akapfuura pazvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya akatizira kuSeira. Paakasvika ikoko akaridza hwamanda munyika yaEfuraimu yamakomo. VaIsiraeri vakaburuka naye munyika yamakomo iyoyi iye achivatungamirira. Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo. Panguva iyoyo vakauraya mikweshwa yavarume vechiMoabhu vanosvika zviuru gumi. Hakuna kana mumwechete akapunyuka. Nokudaro vaMoabhu vakakurirwa navaIsiraeri musi iwoyo. Nyika yakava norunyararo kwamakumi masere amakore. Shure kwaEhudhi kwakauya Shamugari mwanakomana wavaAnati. Iyeyu uyu akauraya mazana matanhatu avaFirisitia, nemhayo yokutinhisa mombe naiyewo akanunura Isiraeri.

Verenga chikamu Vatongi 3