Mwari haakundiki paruenzaniso. Hazviitiki kuti akanganwe basa renyu norudo rwamakatira vatsvene pamusana pake, sezvamuchiri kungoita. Tinodisisa kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze shungu dzimwechetedzo dzokuti zvatinotarisira izvi zviitike, uye agoramba achingodaro kusvikira kumagumo, kuti murege kungoneta–neta, asi kuti murambe muchingotevedzera avo vanowana nhaka yezvakavimbiswa pamusana pechitendero chavo nokusarasa mwoyo kwavo. Ndinodaro nokuti zviya, Mwari zvaakatsidzirana naAbhurahamu akapika naiye pachake nokuti pakanga pasina mukuru pana iye waaigona kupika naye, zviya zvaakati, “Zvirokwazvo ndichakukomborera chaizvo nokuita kuti uwande.” Saka nokutirira kwake Abhurahamu akawana chaakanga atsidzirwa chiya. Vanhu vanopika nomukuru kupinda ivo. Naizvozvo, kana pane gakava pakati pavanhu, vanozopedzisira nokupika, kuti vasimbisise zvavanotaura. Naizvozvo Mwari paakanga achida kunyatsosimbisisa, kuvadyi venhaka yechipikirwa kuti zvaanenge atema hazvipinduki–pinduki akazvitsinhira nemhiko. Uku kwaiva kuti nezvinhu zviviri zvisingasanduki isu vapoteri tiwane chingatikurudzire kubatisisa chitarisiro chatakapiwa nokuti mune zvizvi zviviri Mwari haagoni kutinyengedza kwete. Ichi ndicho chitsigiro chomweya chezvirokwazvo, chitarisiro chinopinda munzvimbo tsvene iri seri kwejira rokudzikatirisa, kwakafanopindwa naJesu nokuda kwedu zvaakanga ava Mupristi mukuru nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.
Verenga chikamu VaHebheru 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 6:10-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo