Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuku 3:16-18

Habhakuku 3:16-18 SCLBD

Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa. Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe, zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu.

Verenga chikamu Habhakuku 3