Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ” Mukadzi akati, “Isu tingadye zvedu michero yose yemiti iri mubindu. Asi Mwari akati musadye muchero womuti uri pakati pebindu, kana kuubata zvako nokuti mungafe.” Nyokawo ikati kumukadzi, “Kwete, hamumbofa! Chiripo ndechichi, Mwari anoziva kuti, musi wamunodya muchero iwoyo, meso enyu anopengenutswa, mobva mafanana naMwari, moziva zvakanaka nezvakaipa.”
Verenga chikamu Mavambo 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 3:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo