Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 1:26-28

Mavambo 1:26-28 SCLBD

Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi. Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”

Verenga chikamu Mavambo 1

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMavambo 1:26-28