Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 12:1-14

Kubuda 12:1-14 SCLBD

Tenzi akataurira Mosesi naAroni vachiri munyika yeIjipiti achiti, “Kwamuri imi mwedzi uno uyu ndiwo uchave mwedzi wokutangatanga pane mwedzi yose. Ndiwo uchava mwedzi wenyu wokutanga kwegore. Taurirai gungano rose ravaIsiraeri kuti, pamwedzi uno, pazuva regumi, saimba woga woga ngaatsvakire mhuri yake hwayana kana mbudzana. Mhuri nemhuri, imba nemba ive nehwayana yayo. Kana mhuri iri duku, hwayana yacho yakavakurira, ngaibatane neimwe mhuri yayakavakidzana nayo. Munofanira kufanoona kuti hwayana yacho inokwaniranawo navanhu varimo. Chipfuwo ichocho ngachive chisina chinoshoreka pachiri, chiri chikono chine gore rimwechete, chingave hwayana kana mbudzana. Ichengetei kusvikira pazuva regumi nechina romwedzi iwoyu. Ipapo gungano rose ravaIsiraeri ndipo parichauraya hwayana dzacho, zuva richangodoka. Ngavatore rimwe ropa, varizore pamagwatidziro maviri apamusuo napachivivo pamusoro pemisuo yomudzimba mavachaidyira. Ngavadye nyama yacho usiku ihwohwo yakaita zvokugochwa, vaidye pamwechete nechingwa chisina mbiriso nemiriwo inovava. Ngavarege kuidya iri mbishi kana kuita yokubika nemvura, asi ngavaite yokugocha. Ngavaigoche yakadaro nomusoro wayo namakumbo ayo nezvomukati zvayo. Ngavarege kusiya imwe nyama yamangwana. Kana pane inenge yasara kusvikira mangwana acho ngaipiswe. Aya ndiwo madyiro amuchaiita: Idyei makasunga zviuno zvenyu, mune shangu dzenyu mumakumbo, makabata tsvimbo mumaoko. Muidye nechimbichimbi, iPasika yaTenzi. “Usiku ihwohwo, ndichapfuura nomuIjipiti ndichiuraya kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kune emhuka, ndichirangawo vamwari vose veIjipiti. Ndini Tenzi. Ropa repadzimba dzamuchange muri ndorichava chiratidzo chenyu. Kana ndikaona ropa iroro, ndichakudarikai kuti murege kuwirwa nenhamo ingakuparadzei pandicharova nyika yeIjipiti. Kwamuri imi zuva iri rinofanira kuva zuva guru rokuyeuka, ramunoitira Tenzi mabiko pazvizvarwa zvenyu zvose, muchengete murao iwoyu nokusingaperi.”

Verenga chikamu Kubuda 12