Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esita 9:20-32

Esita 9:20-32 SCLBD

Modhekai akanyora zvinhu izvozvi akatumirawo tsamba kuvaJudha vaiva munyika dzose dzamambo Ahasuerusi, dzose zvadzo dzokure nedzepedyo, achivati vanofanira kuchengetawo zuva regumi nechina remwedzi waAdhari uyewo nezuva regumi nechishanu remwedzi wakarewo gore negore. Akavati vaachengete samazuva akawana vaJudha zororo kuvavengi vavo, uye semwedzi wavakasandurirwa zvinhu, kusuruvara kukaitwa kufara, kuungudza kuchiitwa zuva rokufaranuka vagoaita mazuva emabiko neokufara, mazuva okutumirana zvipo zvezvokudya zvakanakisisa ivo pachavo nokuvarombowo. Nokudaro vaJudha vakatanga kuita basa iri ravakanga vavamba uye sokunyorerwa kwavakanga vaitwa naModhekai pamusana pokuti Hamani muAgagi mwanakomana waHamedhata muvengi wavaJudha waakanga aitira vaJudha bangano rokuvaparadza vatoshandisawo Puri, chin'ange ichocho kuitira kuti vavazhanye vavaparadze. Asi pakazosvika Esita pana mambo, iye mambo akatema zvirevo zvakaita zvokunyorwa kuti bangano rake rakaipa raakanga arongera vaJudha ripfukire Hamani wakare uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamutandarikwa wamapango. Naizvozvo vakatumidza mazuva iwaya zita rokuti Purimu zvichibva kune izwi rokuti Puri. Saka naizvozvo, pamusana pezvose zvakanga zvakanyorwa mutsamba iyoyo nedzavakanga vasangana nadzo panyaya iyoyi nezvakanga zvavawira; vaJudha vakazviisira murao, ivo pachavo navana vavo nevose vakanga vabatana navo wokuti: vaifanira kuzochengeta mazuva maviri iwaya gore negore pasina zvokumborega kuachengeta, vachiachengeta somunyorerwo wazvakaitwa uyewo panguva yacho yakatemwa; uye kuti mazuva iwaya, mazuva anofanira kurangarirwa nokuchengetwa muchizvarwa choga choga mhuri nemhuri, nyika nenyika, guta neguta; uyewo kuti mazuva iwaya ePurimu haafanire kudarikwa pakati pevaJudha kunyange kuti zvokurangarira mazuva iwaya zvipere pakati pavana vavo. Vahosi, Esita, mwanasikana waAbhihairi nomuJudha uya Modhekai, achishandisa ukuru hwose hwaaiva nahwo, akanyora achinyatsotsigira tsamba yechipiri iyi yezvePurimu. Matsamba akazotumirwa kuvaJudha vose kunyika zana namakumi maviri dzine nomwe dzoumambo hwaAhasuerusi dziine shoko rorugare nechokwadi rokuti: mazuva iwaya ePurimu anofanira kuchengetwa panguva yawo yakatemwa sokutemerwa kwakanga kwaitwa vaJudha vatemerwa nomuJudha uya Modhekai, navahosi Esita, uyewo sokuzvimisira murao kwavakanga vaita ivo pachavo navana vavo panyaya dzokutsanya nokuungudza kwavo. Chirevo ichi chavahosi vamambo Esita chakasimbisa nyaya idzodzi dzezvePurimu zvikatonyorwawo mubhuku.

Verenga chikamu Esita 9