Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 6:4-9

Kutsinhira Mutemo 6:4-9 SCLBD

“Teerera unzwe iwe Isiraeri. Tenzi Mwari wedu ndiye Mwari oga. Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Mitemo iyoyi yandinokuudza nhasi ngaigare mumwoyo mako. Nyatsoidzidzisa vana vako. Uitaure wataurazve ugere mumba mako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge urere pasi, napaunomuka. Uisungirire paruoko rwako chive chiratidzo, uisungirirewo pahuma yako netsungare. Inyore pamagwatidziro emba yako napamisuo yako mikuru.