Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:15-18

Dhanieri 6:15-18 SCLBD

Varume ivava vakarangana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Chizivai mambo kuti, mutemo wavaMidhi navaPezhia wokuti: Hakuna chirevo kana murao unenge wasainwa namambo unozoshandurwa.” Ipapo mambo akati atorwe, Dhanieri akatorwa akakandwa mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Dai iye Mwari wako waunoramba uchinamata angokununura.” Pakaunzwa ibwe rikanzi gwibha pamuromo wegomba iroro. Mambo akazvitsinhira neringi rake rechidhindho nemaringiwo ezvidhindho amadzishe ake zvichiitirwa kunzi parege kumbova zvapo nechinosandurwa nezvaDhanieri. Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza.

Verenga chikamu Dhanieri 6