Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20:17-35

Mabasa 20:17-35 SCLBD

Pauro, ari kuMiretusi akatumira nhume kuEfesusi kundodaidza vakuru vakuru vesangano. Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia, ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha. Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba ndichipa uchapupu kuna vaJudha nokuna vaGiriki nezvokutendeukira kuna Mwari uye nezvechitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu. Zvino, chionai ndavakuenda kuJerusaremu ndakabatwa naMweya. Handizivi zvichandiwira ikoko, kusiya kuti Mweya Mutsvene anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira; asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari. Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare. Nezvo ndinotaura pachena kwamuri mose nhasi uno kuti ini mhosva handisisina, wafa wafa, wasara wasara nokuti handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari. Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake. Ndinoziva kuti mushure mokuenda kwangu mhumhi dzinorura dzichauya pakati penyu dzisina tsitsi nokuuraya danga. Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari. Naizvozvo chenjerai muchiyeuka kuti kwamakore matatu handina kumbomira siku nesikati, kukupai mazano mumwe nomumwe nemisodzi padama. Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene. Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu. Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo. Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ”

Verenga chikamu Mabasa 20