Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya mumwedzi wegumi pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhineza mambo weBhabhuroni akauya nehondo yake yose akakomba Jerusaremu vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho. Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho nzara yakabaya zvinorwadza muguta zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya. Kwakapazwa rusvingo muguta umu hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebindu ramambo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha. Asi hondo yevaKaridhea yakaronda mambo ikamubatira kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakapararira ichimusiya, ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura akamutemera chirango chemhosva yake. Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa. Vakamusvukunura maziso vakamusunga nengetani vakaenda naye kuBhabhironi. Mumwedzi wechishanu pazuva rechinomwe romwedzi iwoyo riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, gurukota ramambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu. Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa. Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo yakakoromorera pasi tsvingo dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu. Vamwe vanhu vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose voruzhinji vakanga vasara, Nebhuzaradhani akaenda navo muutapwa. Mukuru mukuru wevaichengetedza mambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera chaivo kuti vave vachengeti veminda yemigirepisi navarimi veminda. VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva pamba paTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi. Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi namagwati okugokesa moto nendiro. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, akatakura, zvendarama sendarama, zvesirivha sesirivhawo. Kana zviri zvemisimboti iye miviri nengoro dziya zvakanga zvagadzirirwa imba yaTenzi, ndarira yacho hakuzi kurema ikoko kwayaiita. Musimboti mumwechete waiva mamita masere kureba uine chepamusoro pawo chaiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu kureba chakashongedzwa nekasefa kane zvinenge michero yamapomegiraneti zvose zviri zvendarama zvakatenderedza mbiru. Musimboti wechipiri wacho wakanga wakangoitawo zvimwechetezvo uine kasefa ikaka. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo iyeyo akatapa mupristi mukuru Seraya nomutevedzeri wake Zefaniya navachengetedzi vatatu vokumusuo. Maguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wavarwi kuhondo namachinda amambo mashanu vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika yacho vaiva mugutamo. Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura. Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo.
Verenga chikamu 2 Madzimambo 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Madzimambo 25:1-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo