Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 1:1-5

1 Vatesaronika 1:1-5 SCLBD

Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu. Nyasha norugare ngazvive nemi. Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu. Tinoziva, hama dzangu, imi vadiwa vaMwari kuti Mwari akakusarudzai nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi.